Numbers 23

Chirevo chaBharamu Chokutanga

1Bharamu akati, “Ndivakirei aritari nomwe pano, mugondigadzirira hando nomwe namakondobwe manomwe.” 2Bharaki akaita sezvakataurwa naBharamu, uye vose vari vaviri vakabayira hando negondobwe paaritari imwe neimwe.

3Ipapo Bharamu akati kuna Bharaki, “Gara pano parutivi pechipiriso chako, ini ndimbotsaukira parutivi apa. Zvichida Jehovha angauya kuzosangana neni. Zvose zvaanondiratidza, ndichazokuudza.” Ipapo akabva akaenda pakakwirira, pakanga pasina chinhu.

4Mwari akasangana naye, Bharamu akati, “Ndagadzira aritari nomwe uye paaritari imwe neimwe ndabayira hando negondobwe.”

5Jehovha akaisa shoko mumuromo waBharamu akati, “Dzokera kuna Bharaki utaure kwaari shoko iri.”

6Saka akadzokera kwaari akamuwana amire parutivi rwechipiriso chake, ana machinda ose eMoabhu. 7Ipapo Bharamu akataura chirevo chake akati:

“Bharaki akanditora kubva kuAramu,
iye mambo weMoabhu kubva kumakomo okumabvazuva. Akati,
‘Uya unditukirewo Jakobho;
uya, utsoropodze Israeri.’
8Ndingatuka seiko
avo vasina kutukwa naMwari?
Ndingatsoropodza seiko
avo vasina kutsoropodzwa naJehovha?
9Ndiri pamusoro pamatombo, ndinovaona,
ndiri pakakwirira, ndinovaona.
Ndinoona vanhu vanogara vari voga
uye havazviverengi pakati pendudzi.
10Ndianiko angaverenga guruva raJakobho
kana kuverenga chikamu chechina chaIsraeri?
Regai ndife rufu rwowakarurama,
uye kuguma kwangu ngakuve sokwavo!”
11Bharaki akati kuna Bharamu, “Waiteiko kwandiri? Ndakakutora kuti uzotuka vavengi vangu, asi hauna chinhu chawaita asi kutovaropafadza!”

12Iye akapindura akati, “Ko, handifaniri kuti nditaure zvaiswa mumuromo mangu naJehovha here?”

Chirevo chaBharamu Chechipiri

13Ipapo Bharaki akati kwaari, “Uya uende neni kune imwe nzvimbo yaunogona kuvaona; uchangoona chikamu chavo asi kwete vose. Uye uri ipapo ugonditukira vanhu ava.” 14Saka akamutora akaenda naye kumunda waZofimi pamusoro pePisiga, uye akavaka aritari nomwe ipapo akabayira hando negondobwe paaritari imwe neimwe.

15Bharamu akati kuna Bharaki, “Gara pano iwe parutivi rwechipiriso chako ini ndichindosangana naye uko.”

16Jehovha akasangana naBharamu akaisa shoko mumuromo make akati, “Dzokera kuna Bharaki undotaura mashoko aya.”

17Saka akadzokera kwaari akamuwana amire parutivi rwechipiriso chake, ana machinda eMoabhu. Bharaki akamubvunza akati, “Jehovha ati kudiniko?”

18Ipapo akataura chirevo chake akati:

“Simuka, Bharaki, uye uteerere;
ndinzwe, iwe mwanakomana waZipori.
19Mwari haasi munhu, kuti angareva nhema,
uye mwanakomana womunhu kuti ashandure pfungwa dzake.
Ko, anotaura akasazviita here?
Anovimbisa akasazadzisa here?
20Ndakagamuchira murayiro wokuti ndiropafadze;
iye aropafadza, uye ini handigoni kuzvishandura.

21“Haana kuona chakaipa kuna Jakobho,
hapana chakashata chakaonekwa muIsraeri.
Jehovha Mwari wavo anavo;
kudanidzira kwaMambo kuri pakati pavo.
22Mwari akavabudisa muIjipiti;
vane simba renyati.
23Hapana unʼanga hungarwa naJakobho,
hapana kuvuka kunorwa naIsraeri.
Zvino zvichanzi pamusoro paJakobho,
napamusoro paIsraeri, ‘Tarirai zvaitwa naMwari!’
24Vanhu vanosimuka seshumba hadzi;
vanozvisimudza seshumba
isingazorori kusvikira yadya chayauraya
uye igonwa ropa rezvayabata.”
25Ipapo Bharaki akati kuna Bharamu, “Usatombovatuka kana kuvaropafadza napaduku!”

26Asi Bharamu akapindura akati, “Handina kukuudza here kuti ndinofanira kuita zvose zvinotaurwa naJehovha?”

Chirevo chaBharamu Chechitatu

27Ipapo Bharaki akati kuna Bharamu, “Uya, ndiende newe kune imwe nzvimbo. Zvimwe Mwari achafara nazvo kuti unditukire vanhu ava ikoko.” 28Saka Bharaki akatora Bharamu akakwira naye pamusoro pePeori pakatarisana nerenje.

29Bharamu akati, “Ndivakire aritari nomwe pano, ugogadzira hando nomwe namakondobwe manomwe.” 30Bharaki akaita sezvakanga zvataurwa naBharamu, akabayira hando negondobwe paaritari imwe neimwe.

Copyright information for SnaBDSC